Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| 2 |
| Iye akanga ana vanun'una, vaiva vanakomana vaJehoshafati, vaiti: Azaria, naJehieri, naZekariya, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsiraeri. |
| 3 |
| Baba vavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha, nendarama, nezvinhu zvinokosha, pamwechete namaguta akakombwa paJudha; asi ushe wakahupa Jehoramu, nokuti iye akanga ari wedangwe. |
| 4 |
| Zvino Jehoramu akati apinda paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, akauraya vanun'una vake vose nomunondo, navamwewo vamachinda aIsiraeri. |
| 5 |
| Jehoramu akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere. |
| 6 |
| Akafamba nenzira yamadzimambo alsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi akanga ari mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. |
| 7 |
| Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose. |
| 8 |
| Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazviitira mambo wavo. |
| 9 |
| Ipapo Jehoramu akaenda navakuru vake, ane ngoro dzake dzose naye; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro. |
| 10 |
| Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo veRibhinawo vakamumukira nenguva iyo; nokuti akanga arasha Jehovha, Mwari wamadzibaba ake. |
| 11 |
| Akaitawo matunhu akakwirira pamakomo aJudha, akapatisa vagere Jerusaremu, nokutsausa vaJudha. |
| 12 |
| Ipapo mwadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, "Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, `Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha; |
| 13 |
| asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako vakanga vakanaka kupfuura iwe; |
| 14 |
| zvino tarira, Jehovha acharova vanhu vako, navana vako, navakadzi vako, nezvinhu zvako zvose, nenjodzi yakaipa; |
| 15 |
| iwe uchava nehosha yakaipa yomuura kusvikira ura hwako huchibuda kunze nemhaka yehosha iyo zuva rimwe nerimwe.' " |
| 16 |
| Zvino Jehovha akakurudzira mweya yavaFirisitia neyavaArabhia, vakanga vari kurutivi rwavaltiopia, kuzorwa naJehoramu; |
| 17 |
| vakandorwa navaJudha, vakapinda nyika yavo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzavakawana mumba mamambo, navanakomana vake, navakadzi vake; naizvozvo haana kusarirwa nomwanakomana, kunyange nomumwe asi Jehoahazi, muduku wavanakomana vake vose. |
| 18 |
| Shure kwaizvozvo zvose Jehovha akamurova muura hwake nehosha isingagoni kurapwa. |
| 19 |
| Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake. |
| 20 |
| Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikamwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2chronicles/021.mp3
36
21