Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki. |
| 2 |
| Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata. |
| 3 |
| Akavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi. |
| 4 |
| Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo. |
| 5 |
| Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenda* esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo. |
| 6 |
| Naizvozvo Jotamu akasimba, nokuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake. |
| 7 |
| Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha. |
| 8 |
| Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu. |
| 9 |
| Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2chronicles/027.mp3
36
27