Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Manase akanga ane makore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. |
| 2 |
| Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. |
| 3 |
| Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira. |
| 4 |
| Akavaka aritari mutemberi yaJehovha yakanga yanzi naJehovha, “Zita rangu richaramba riri muJerusarema nokusingaperi.” |
| 5 |
| Muzvivanze zvose zvetemberi yaJehovha akavaka aritari dzenyeredzi dzose dzedenga. |
| 6 |
| Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake. |
| 7 |
| Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi. |
| 8 |
| Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, zvandakavarayira, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.” |
| 9 |
| Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri. |
| 10 |
| Jehovha akataura naManase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera. |
| 11 |
| Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi. |
| 12 |
| Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake. |
| 13 |
| Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari. |
| 14 |
| Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha. |
| 15 |
| Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta. |
| 16 |
| Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri. |
| 17 |
| Zvisinei, vanhu vakaramba vachibayira panzvimbo dzakakwirira, asi kuna Jehovha Mwari wavo chete. |
| 18 |
| Zvimwe zvakaitwa naManase panguva yokutonga kwake, kusanganisira munyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko akataurwa navaoni kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. |
| 19 |
| Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni. |
| 20 |
| Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. |
| 21 |
| Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. |
| 22 |
| Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase. |
| 23 |
| Asi haana kuzoita sababa vake, haana kuzvininipisa pamberi paJehovha. Amoni akawedzera mhosva yake. |
| 24 |
| Makurukota aAmoni akarangana akamuuraya mumuzinda wake. |
| 25 |
| Ipapo vanhu venyika yose vakauraya vose vakanga varangana kuuraya mambo Amoni. Vakaita Josia mwanakomana wake mambo panzvimbo yake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/2chronicles/033.mp3
36
33