Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu. |
| 2 |
| Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. |
| 3 |
| Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama. |
| 4 |
| Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti. |
| 5 |
| Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. |
| 6 |
| Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga namaketani, kundomuisa Bhabhironi. |
| 7 |
| Nebhukadhinezari akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi. |
| 8 |
| Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| 9 |
| Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. |
| 10 |
| Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhinezari akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munun'una wake Zedhekia mambo waJudha neJerusaremu. |
| 11 |
| Zedhekia akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. |
| 12 |
| Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha. |
| 13 |
| Akamukirawo mambo Nebhukadhinezari, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa moyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri. |
| 14 |
| Uye vakuru vose vaprista navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu. |
| 15 |
| Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; |
| 16 |
| asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa. |
| 17 |
| Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake. |
| 18 |
| Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi. |
| 19 |
| Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. |
| 20 |
| Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe huchibatwa navaPeresia; |
| 21 |
| kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe. |
| 22 |
| Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti, |
| 23 |
| "Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, `Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose bwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. " `Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.' " |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2chronicles/036.mp3
36
36