|
| 1 |
|
| Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati, |
|
| 2 |
|
| “Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. |
|
| 3 |
|
| “Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu. |
|
| 4 |
|
| Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsire nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.” |
|
| 5 |
|
| Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu. |
|
| 6 |
|
| Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomwoyo wavo. |
|
| 7 |
|
| Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake; |
|
| 8 |
|
| Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wepfuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha. |
|
| 9 |
|
| Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe; |
|
| 10 |
|
| nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe. |
|
| 11 |
|
| Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu. |
|
|
|
|