|
| 1 |
|
| Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, |
|
| 2 |
|
| vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri: |
|
| 3 |
|
| zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri; |
|
| 4 |
|
| zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri; |
|
| 5 |
|
| zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu; |
|
| 6 |
|
| ZvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri; |
|
| 7 |
|
| zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana; |
|
| 8 |
|
| zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu; |
|
| 9 |
|
| zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu; |
|
| 10 |
|
| zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri; |
|
| 11 |
|
| zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu; |
|
| 12 |
|
| zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri; |
|
| 13 |
|
| zvaAdhorikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu; |
|
| 14 |
|
| zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu; |
|
| 15 |
|
| zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana; |
|
| 16 |
|
| zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere; |
|
| 17 |
|
| zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu; |
|
| 18 |
|
| zvaJora zvaiva zana negumi navaviri; |
|
| 19 |
|
| zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu; |
|
| 20 |
|
| zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu; |
|
| 21 |
|
| varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu; |
|
| 22 |
|
| veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu; |
|
| 23 |
|
| veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere; |
|
| 24 |
|
| veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri; |
|
| 25 |
|
| veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu; |
|
| 26 |
|
| veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete; |
|
| 27 |
|
| veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri; |
|
| 28 |
|
| veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu; |
|
| 29 |
|
| veNebho vaiva makumi mashanu navaviri; |
|
| 30 |
|
| veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu; |
|
| 31 |
|
| veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana; |
|
| 32 |
|
| veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri; |
|
| 33 |
|
| veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu; |
|
| 34 |
|
| veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu; |
|
| 35 |
|
| veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu. |
|
| 36 |
|
| Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu; |
|
| 37 |
|
| zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri; |
|
| 38 |
|
| zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe; |
|
| 39 |
|
| zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe. |
|
| 40 |
|
| VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana. |
|
| 41 |
|
| Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere. |
|
| 42 |
|
| Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe. |
|
| 43 |
|
| Vashandi vomutemberi: |
|
| 44 |
|
| zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni, |
|
| 45 |
|
| zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi, |
|
| 46 |
|
| zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani, |
|
| 47 |
|
| zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya, |
|
| 48 |
|
| zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami, |
|
| 49 |
|
| zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai, |
|
| 50 |
|
| zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi, |
|
| 51 |
|
| zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri, |
|
| 52 |
|
| zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha, |
|
| 53 |
|
| zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema, |
|
| 54 |
|
| zvaNezia uye nezvaHatifa. |
|
| 55 |
|
| Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha, |
|
| 56 |
|
| zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri, |
|
| 57 |
|
| zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi. |
|
| 58 |
|
| Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. |
|
| 59 |
|
| Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzi-baba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri: |
|
| 60 |
|
| Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri. |
|
| 61 |
|
| Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro). |
|
| 62 |
|
| Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista. |
|
| 63 |
|
| Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi. |
|
| 64 |
|
| Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, |
|
| 65 |
|
| tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi. |
|
| 66 |
|
| Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu, |
|
| 67 |
|
| ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri. |
|
| 68 |
|
| Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakapa nokuzvidira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo. |
|
| 69 |
|
| Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana. |
|
| 70 |
|
| Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo. |
|
|
|
|