|
| 1 |
|
| Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta. |
|
| 2 |
|
| Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomoyo wavo kugara Jerusaremu. |
|
| 3 |
|
| Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navaprista, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni. |
|
| 4 |
|
| PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi; |
|
| 5 |
|
| naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi. |
|
| 6 |
|
| Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare. |
|
| 7 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya. |
|
| 8 |
|
| Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere, |
|
| 9 |
|
| naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta. |
|
| 10 |
|
| Vavaprista: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini, |
|
| 11 |
|
| Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari, |
|
| 12 |
|
| nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, |
|
| 13 |
|
| nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri, |
|
| 14 |
|
| nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi. |
|
| 15 |
|
| Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni; |
|
| 16 |
|
| naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari; |
|
| 17 |
|
| naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni. |
|
| 18 |
|
| VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana. |
|
| 19 |
|
| Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri. |
|
| 20 |
|
| Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavaprista navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake. |
|
| 21 |
|
| Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi. |
|
| 22 |
|
| Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari. |
|
| 23 |
|
| Nokuti mambo akanga araira pamusoro pavo, navaimbi vaipiwa mubayiro wakatarwa zuva rimwe nerimwe. |
|
| 24 |
|
| Petahia, mwanakomana waMeshazabheri, wavana vaZera, mwanakomana waJudha, ndiye akanga ari mubatsiri wamambo pamashoko ose avanhu. |
|
| 25 |
|
| Kana iri misha nokuruwa rwayo, vamwe vavana vaJudha vakagara paKiriatiarabha nemisha yaro, napaDhibhoni nemisha yaro, napaJekabhizeeri nemisha yaro; |
|
| 26 |
|
| napaJeshua, napaMoradha, napaBheerishebha nemisha yawo; |
|
| 27 |
|
| napaHazarishuari, napaBheerishebha nemisha yawo; |
|
| 28 |
|
| napaZikiragi, napaMekona nemisha yawo; |
|
| 29 |
|
| napaEnirimoni, napaZora, napaJarimuti; |
|
| 30 |
|
| neZanowa, neAdhurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa yavo kubva paBheerishebha kusvikira pamupata weHinomi. |
|
| 31 |
|
| Vana vaBhenjamini vakagara kubva paGebha, paMikimashi, neAya, napaBhetieri nemisha yawo; |
|
| 32 |
|
| neAnatoti, neNobhi, neAnania; |
|
| 33 |
|
| neHazori, neRama, neGitaimi; |
|
| 34 |
|
| neHadhidhi, neZebhoimi, neNebharati; |
|
| 35 |
|
| neRodhi, neOno, neGehaharashimi. |
|
| 36 |
|
| Vamwe vaRevhi vamapoka aJudha vakagara pakati pavaBhenjamini. |
|
|
|
|