|
| 1 |
|
| Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira; |
|
| 2 |
|
| naAmaria, naMaruki, naHatushi; |
|
| 3 |
|
| naShekania, naRehumi, naMeremoti; |
|
| 4 |
|
| naIdho, naGinetoi, naAbhiya; |
|
| 5 |
|
| naMijamini, naMaadhia, naBhiriga; |
|
| 6 |
|
| naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya; |
|
| 7 |
|
| naSaru, naAmoki, naHirikiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavaprista navehama dzavo pamazuva aJeshua. |
|
| 8 |
|
| Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi. |
|
| 9 |
|
| NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda. |
|
| 10 |
|
| Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha; |
|
| 11 |
|
| Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua. |
|
| 12 |
|
| Pamazuva aJoyakimu vaprista, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya |
|
| 13 |
|
| wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani; |
|
| 14 |
|
| wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa; |
|
| 15 |
|
| wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai; |
|
| 16 |
|
| wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami; |
|
| 17 |
|
| wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai |
|
| 18 |
|
| wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani, |
|
| 19 |
|
| wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi; |
|
| 20 |
|
| wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri; |
|
| 21 |
|
| wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri. |
|
| 22 |
|
| VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohwanani, naJadhua; navapristawo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia. |
|
| 23 |
|
| Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohwanani mwanakomana waEriashibhi. |
|
| 24 |
|
| Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba. |
|
| 25 |
|
| Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo. |
|
| 26 |
|
| Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomuprista Ezira munyori. |
|
| 27 |
|
| Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeramwa nembira. |
|
| 28 |
|
| Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati; |
|
| 29 |
|
| napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu. |
|
| 30 |
|
| Zvino vaprista navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo. |
|
| 31 |
|
| Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara; |
|
| 32 |
|
| shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha, |
|
| 33 |
|
| naAzaria, naEzira, naMeshurami, |
|
| 34 |
|
| naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya, |
|
| 35 |
|
| navamwe vanakomana vavaprista vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi, |
|
| 36 |
|
| nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo; |
|
| 37 |
|
| vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva. |
|
| 38 |
|
| Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi; |
|
| 39 |
|
| napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai, vakamira pasuo ravarindi. |
|
| 40 |
|
| Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri, |
|
| 41 |
|
| navaprista Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda; |
|
| 42 |
|
| naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo. |
|
| 43 |
|
| Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure. |
|
| 44 |
|
| Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavaprista neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vaprista navaRevhi vaishumira. |
|
| 45 |
|
| Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake. |
|
| 46 |
|
| Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. |
|
| 47 |
|
| Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikamwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni. |
|
|
|
|