|
| 1 |
|
| Ipapo Eriashibhi Mupristi Mukuru akasimuka, nehama dzake vapristi, vakavaka suwo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri. |
|
| 2 |
|
| Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri. |
|
| 3 |
|
| Suwo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
|
| 4 |
|
| Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana. |
|
| 5 |
|
| Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo. |
|
| 6 |
|
| Suwo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
|
| 7 |
|
| Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibheoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibheoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kwerwizi. |
|
| 8 |
|
| Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara. |
|
| 9 |
|
| Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu. |
|
| 10 |
|
| Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya. |
|
| 11 |
|
| Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhu, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira. |
|
| 12 |
|
| Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake. |
|
| 13 |
|
| Suwo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanoa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuwo ramarara. |
|
| 14 |
|
| Suwo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
|
| 15 |
|
| Suwo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi. |
|
| 16 |
|
| Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba. |
|
| 17 |
|
| Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake. |
|
| 18 |
|
| Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira. |
|
| 19 |
|
| Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo. |
|
| 20 |
|
| Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi Mupristi Mukuru. |
|
| 21 |
|
| Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi. |
|
| 22 |
|
| Vapristi, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira. |
|
| 23 |
|
| Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake. |
|
| 24 |
|
| Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona. |
|
| 25 |
|
| Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera. |
|
| 26 |
|
| (Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuwo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.) |
|
| 27 |
|
| VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi. |
|
| 28 |
|
| Vapristi vakagadzira pamusoro pesuwo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake. |
|
| 29 |
|
| Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuwo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira. |
|
| 30 |
|
| Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndivo vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. |
|
| 31 |
|
| Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuwo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba. |
|
| 32 |
|
| Pakati peimba yokumusoro pakona nesuwo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi. |
|
|
|
|