|
| 1 |
|
| Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha. |
|
| 2 |
|
| Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, “VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?” |
|
| 3 |
|
| Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, “Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe.” |
|
| 4 |
|
| Inzwai henyu, Mwari wedu, “Nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa. |
|
| 5 |
|
| “Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nokuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki.” |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti vanhu vakanga vachida kubata. |
|
| 7 |
|
| Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo, |
|
| 8 |
|
| vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo. |
|
| 9 |
|
| Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo. |
|
| 10 |
|
| Ipapo vaJudha vakati, “Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo.” |
|
| 11 |
|
| Vadzivisi vedu vakati, “Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa.” |
|
| 12 |
|
| Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, “Munofanira kudzokera kwatiri.” |
|
| 13 |
|
| Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo. |
|
| 14 |
|
| Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.” |
|
| 15 |
|
| Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake. |
|
| 16 |
|
| Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha. |
|
| 17 |
|
| Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo; |
|
| 18 |
|
| uye vavaki mumwe nomumwe akanga ano munondo wake akasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. |
|
| 19 |
|
| Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe; |
|
| 20 |
|
| papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.” |
|
| 21 |
|
| Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyenyedzi dzichibuda. |
|
| 22 |
|
| Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe ano muranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.” |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo ini kunyangwe hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo. |
|
|
|
|