×

Shona Bible 2009?

Jobho 1

1
Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa
2
Iye wakabereke­rwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.
3
Uye fuma yake yakasvika ma­kwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, nava­nhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
4
Vanakomana vake vaisienda ku­ndoita mutambo paimba yomumwe no­mumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzo­dya nokumwa navo.
5
Zvino kana ma­zuva okutamba kwavo apera Jobho ai­tuma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, "Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vaka­shora Mwari pamoyo yavo;" Jobho aisidaro nguva dzose.
6
Zvino rimwe zuva vanakomana va­Mwari vakati vachindomira pamberi pa­Jehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
7
Jehovha akati kuna Satani, "Wabve­piko?" Satani akapindura Jehovha, akati, "Ndabva pakupota-pota nenyika, napaku­famba-famba pairi."
8
Jehovha akati kuna Satani, "Wache­rekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa."
9
Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, "Jobho anotya Mwari pasina here?
10
Hamuna kumupoteredza here noru­mhanda, iye neimba yake, nezvose zvaa­nazvo, pamativi ose? Makaropafadza ma­basa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
11
"Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena."
12
Jehovha akati kuna Satani, "Ta­rira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari." Naizvozvo Satani akabva pa­mberi paJehovha.
13
Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokumwa waini paimba yomukuru wavo,
14
nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, "Mombe dzakanga dzichirima, nembo­ngoro dzichichera kurutivi rwadzo,
15
vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai."
16
Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, "Moto waMwari waka­bva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai."
17
Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, "VaKaradhea vakaita ma­poka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapuku­nyuka, ndauya kuzokuudzai."
18
Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, "Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokumwa waini mumba momukuru wavo,
19
dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai."
20
Ipapo Jobho akasimuka, akabva­rura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,
21
akati, "Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha waka­tora, zita raJehovha ngarikudzwe."
22
pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.
Shona Bible 2009?
No Data
:
Sevha Zvinyorwa