×

Shona Bible 2009?

Jobho 11

1
Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2
"Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?"
3
Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
4
Nokuti iwe unoti, "Zvandinoparidza ndezvechokwadi, Ndakachena pamberi penyu."
5
Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;
6
Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokangamwira zvimwe zvakaipa zvako.
7
Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
8
Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
9
Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
10
Kana iye akapfuura, akapfigira mitongo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
11
Nokuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
12
Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
13
Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
14
Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
15
Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
16
Nokuti uchakangamwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;
17
Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
18
Iwe uchasimba pamoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.
19
Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
20
Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.
Shona Bible 2009?
No Data
:
Sevha Zvinyorwa