|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapindura, akati, |
|
| 2 |
|
| "Zvirokwazvo, imwi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi." |
|
| 3 |
|
| Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai? |
|
| 4 |
|
| Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa. |
|
| 5 |
|
| Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo. |
|
| 6 |
|
| Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari. |
|
| 7 |
|
| Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai; |
|
| 8 |
|
| Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai. |
|
| 9 |
|
| Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose? |
|
| 10 |
|
| Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose. |
|
| 11 |
|
| Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukamwa unoravira zvokudya here? |
|
| 12 |
|
| Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa. |
|
| 13 |
|
| Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa. |
|
| 14 |
|
| Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi. |
|
| 15 |
|
| Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika. |
|
| 16 |
|
| Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose. |
|
| 17 |
|
| Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi. |
|
| 18 |
|
| Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada. |
|
| 19 |
|
| Anotorera vaprista ukuru hwavo, Nokukunda vane simba. |
|
| 20 |
|
| Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa |
|
| 21 |
|
| Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba. |
|
| 22 |
|
| Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu. |
|
| 23 |
|
| Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kose, ndokudzitapa. |
|
| 24 |
|
| Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira. |
|
| 25 |
|
| Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa. |
|
|
|
|