|
| 1 |
|
| Tarirai, ziso rangu rakaona izvi zvose, Nzeve yangu yakazvinzwa nokuzvinzwisisa. |
|
| 2 |
|
| Zvamunoziva imi, ndinozvizivawo; Handizi muduku kwamuri. |
|
| 3 |
|
| Zvirokwazvo, ndinoda kutaura nowaMasimbaose, Ndinoda kuzvidavira kuna Mwari. |
|
| 4 |
|
| Asi imi munofukidza zvose nenhema dzenyu, Imi mose muri n'anga dzisina maturo. |
|
| 5 |
|
| Haiwa! Dai muchinyarara mose! Ndiko kwaiva kungwara kwenyu! |
|
| 6 |
|
| Zvino chinzwai kuzvidavira kwangu, Teererai munzwe ndichizvirevera nemiromo yangu. |
|
| 7 |
|
| Munoda kurwira Mwari muchitaura zvisakarurama here? Nokureva zvinonyengera nokuda kwake here? |
|
| 8 |
|
| Munoda kuva nehanya naye here? Munoda kurwira Mwari kanhi? |
|
| 9 |
|
| Ko zvakanaka kana iye achikunzverai here? Imi mungamunyengera, sezvamunganyengera munhu here? |
|
| 10 |
|
| Zvirokwazvo iye achakutukai, Kana mukava nehanya pakavanda. |
|
| 11 |
|
| Ukuru hwake haungakutyisiyi here? Haangakutyisiyi zvikuru here? |
|
| 12 |
|
| Mashoko enyu enjere ishumo dzamadota, Nhare dzenyu inhare dzevhu. |
|
| 13 |
|
| Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe hangu nezvandingawirwa nazvo. |
|
| 14 |
|
| Ndicharumireiko nyama yangu nameno angu, Nokubata upenyu hwangu muruoko rwangu? |
|
| 15 |
|
| Kunyangwe akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyangwe zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu. |
|
| 16 |
|
| Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake. |
|
| 17 |
|
| Inzwai zvakanaka kutaura kwangu, Kuparidza kwangu kupinde nzeve dzenyu. |
|
| 18 |
|
| Tarirai zvino, ndarongedza mhaka yangu; Ndinoziva kuti ndicharuramisirwa. |
|
| 19 |
|
| Ndianiko achaita nharo neni? Nokuti zvino ndinganyarara hangu, ndikafa. |
|
| 20 |
|
| Asi regai henyu kundiitira zvinhu zviviri, Ipapo handingavandi pamberi penyu; |
|
| 21 |
|
| Bvisai ruoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivhundusa. |
|
| 22 |
|
| Ipapo mudane imi, ini ndichapindura; Kana ini nditaure hangu, imi mundipindure. |
|
| 23 |
|
| Zvakaipa zvangu nezvivi zvangu zvinganiko? Ndizivisei kudarika kwangu nechivi changu. |
|
| 24 |
|
| Munovanzireiko chiso chenyu, Muchiti ndiri muvengi wenyu? |
|
| 25 |
|
| Munoda kuvhundusa shizha rinopepereswa here? Munoda kudzingana namakoto akaoma here? |
|
| 26 |
|
| Munotonga zvinhu zvinovava pamusoro pangu, Munondidyisa nhaka yezvakaipa zvoujaya hwangu; |
|
| 27 |
|
| Munomana makumbo angu mumatanda, nokucherechedza nzira dzangu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo angu muganho; |
|
| 28 |
|
| Kunyangwe ndakafanana nechinhu chakaora chinopera, Senguo yapedzwa nezviundudzi. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/job/013.mp3
42
13