|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapindura, akati, |
|
| 2 |
|
| "Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here? |
|
| 3 |
|
| Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira. |
|
| 4 |
|
| Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni. |
|
| 5 |
|
| Kana imwi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa; |
|
| 6 |
|
| Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake; |
|
| 7 |
|
| Tarirai ndinochema ndichiti, `Ndakaitirwa zvakaipa!' Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi. |
|
| 8 |
|
| Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu. |
|
| 9 |
|
| Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu. |
|
| 10 |
|
| Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti. |
|
| 11 |
|
| Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake. |
|
| 12 |
|
| Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo. |
|
| 13 |
|
| Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikamwi vangu vava savatorwa chose kwandiri. |
|
| 14 |
|
| Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikangamwa. |
|
| 15 |
|
| Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni. |
|
| 16 |
|
| Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu. |
|
| 17 |
|
| Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu. |
|
| 18 |
|
| Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera. |
|
| 19 |
|
| Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira. |
|
| 20 |
|
| Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu. |
|
| 21 |
|
| Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imwi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata. |
|
| 22 |
|
| Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu? |
|
| 23 |
|
| Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku. |
|
| 24 |
|
| Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi. |
|
| 25 |
|
| Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika; |
|
| 26 |
|
| Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu. |
|
| 27 |
|
| Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu. |
|
| 28 |
|
| Kana muchiti, `Tichamutambudza sei!' Mudzi wemhosva zvauri mukati make! |
|
| 29 |
|
| Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo." |
|
|
|
|