|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapindura, akati, |
|
| 2 |
|
| “Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here? |
|
| 3 |
|
| Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira. |
|
| 4 |
|
| Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni. |
|
| 5 |
|
| Kana imi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa; |
|
| 6 |
|
| Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake; |
|
| 7 |
|
| Tarirai ndinochema ndichiti, ‘Ndakaitirwa zvakaipa!’ Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi. |
|
| 8 |
|
| Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu. |
|
| 9 |
|
| Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu. |
|
| 10 |
|
| Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti. |
|
| 11 |
|
| Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake. |
|
| 12 |
|
| Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo. |
|
| 13 |
|
| Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikanwi vangu vava savatorwa chose kwandiri. |
|
| 14 |
|
| Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikanganwa. |
|
| 15 |
|
| Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni. |
|
| 16 |
|
| Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyangwe ndichimunyengetera nomuromo wangu. |
|
| 17 |
|
| Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu. |
|
| 18 |
|
| Kunyangwe navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera. |
|
| 19 |
|
| Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira. |
|
| 20 |
|
| Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu. |
|
| 21 |
|
| Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata. |
|
| 22 |
|
| Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu? |
|
| 23 |
|
| Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku. |
|
| 24 |
|
| Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi. |
|
| 25 |
|
| Asi ndinoziva kuti Mudzikinuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika; |
|
| 26 |
|
| Kunyangwe ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyangwe zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu. |
|
| 27 |
|
| Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu. |
|
| 28 |
|
| Kana muchiti, ‘Tichamutambudza sei!’ Mudzi wemhosva zvauri mukati make! |
|
| 29 |
|
| Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo.” |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/job/019.mp3
42
19