|
| 1 |
|
| Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati, |
|
| 2 |
|
| “Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kwokukurumidza kuri mandiri. |
|
| 3 |
|
| Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura. |
|
| 4 |
|
| Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa kwomunhu panyika, |
|
| 5 |
|
| Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva? |
|
| 6 |
|
| Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore; |
|
| 7 |
|
| Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, ‘Aripiko?’ |
|
| 8 |
|
| Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku. |
|
| 9 |
|
| Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve. |
|
| 10 |
|
| Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera pfuma yake. |
|
| 11 |
|
| Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva. |
|
| 12 |
|
| Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake; |
|
| 13 |
|
| Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make; |
|
| 14 |
|
| Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muhura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make. |
|
| 15 |
|
| Wamedza pfuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake. |
|
| 16 |
|
| Achasveta uturu hwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya. |
|
| 17 |
|
| Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta. |
|
| 18 |
|
| Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nepfuma yake yaakawana. |
|
| 19 |
|
| Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki. |
|
| 20 |
|
| Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira. |
|
| 21 |
|
| Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kupfuma kwake hakungarambi kuripo. |
|
| 22 |
|
| Pakati pezvakawanda zvepfuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye. |
|
| 23 |
|
| Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake. |
|
| 24 |
|
| Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta hwendarira huchamuboora. |
|
| 25 |
|
| Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo. |
|
| 26 |
|
| Akachengetererwa rima guru ive pfuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake. |
|
| 27 |
|
| Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira. |
|
| 28 |
|
| Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake. |
|
| 29 |
|
| Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari.” |
|
|
|
|