|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati, |
|
| 2 |
|
| "NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; nowaMasimbaose akatambudza mweya wangu; |
|
| 3 |
|
| (Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;) |
|
| 4 |
|
| Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera. |
|
| 5 |
|
| Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu. |
|
| 6 |
|
| Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu. |
|
| 7 |
|
| Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama. |
|
| 8 |
|
| Nokuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here? |
|
| 9 |
|
| Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here? |
|
| 10 |
|
| Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here? |
|
| 11 |
|
| Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi. |
|
| 12 |
|
| Tarirai imwi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko? |
|
| 13 |
|
| Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose. |
|
| 14 |
|
| Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya. |
|
| 15 |
|
| Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi. |
|
| 16 |
|
| Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu; |
|
| 17 |
|
| Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha. |
|
| 18 |
|
| Anovaka imba yake sechifusi, Sechirindo chinoitwa nomurindi. |
|
| 19 |
|
| Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo. |
|
| 20 |
|
| Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku. |
|
| 21 |
|
| Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake. |
|
| 22 |
|
| Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Unoidza kutiza paruoko rwake. |
|
| 23 |
|
| Vanhu vacharovana maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake." |
|
|
|
|