|
| 1 |
|
| Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama. |
|
| 2 |
|
| Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe. |
|
| 3 |
|
| Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose–ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu. |
|
| 4 |
|
| Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku. |
|
| 5 |
|
| Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto. |
|
| 6 |
|
| Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zvesafiro, Ano upfu hwendarama. |
|
| 7 |
|
| Nzira iyo haizikanwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona; |
|
| 8 |
|
| Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo. |
|
| 9 |
|
| Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo. |
|
| 10 |
|
| Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha. |
|
| 11 |
|
| Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena. |
|
| 12 |
|
| Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi? |
|
| 13 |
|
| Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu. |
|
| 14 |
|
| Pakadzika panoti, “Hauzi mandiri;” Negungwa rinoti, “Hauzi mandiri.” |
|
| 15 |
|
| Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo. |
|
| 16 |
|
| Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro. |
|
| 17 |
|
| Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo. |
|
| 18 |
|
| Korari nemapere hazvingatongerehwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka. |
|
| 19 |
|
| Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka. |
|
| 20 |
|
| Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi? |
|
| 21 |
|
| Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga. |
|
| 22 |
|
| Kuparadza noRufu zvinoti, “Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu.” |
|
| 23 |
|
| Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva. |
|
| 24 |
|
| Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona zvose pasi pokudenga pose; |
|
| 25 |
|
| Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero. |
|
| 26 |
|
| Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo. |
|
| 27 |
|
| Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera. |
|
| 28 |
|
| Akaudza munhu achiti, “Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa.” |
|
|
|
|