|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake. |
|
| 2 |
|
| Jobho akapindura akati, |
|
| 3 |
|
| “Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, ‘Mwana womukomana agamuchirwa.’ ” |
|
| 4 |
|
| Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera. |
|
| 5 |
|
| Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse. |
|
| 6 |
|
| Kana uri usiku uhwo, ngaubatwe nerima guru; Ngaurege kufara pakati pamazuva egore; Ngaurege kurahwa pakati pemwedzi. |
|
| 7 |
|
| Usiku uhwo ngaurege kubereka; Izwi romufaro ngarirege kupinda mauri. |
|
| 8 |
|
| Vanotuka zuva iro ngavautukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru. |
|
| 9 |
|
| Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngaumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani; |
|
| 10 |
|
| Zvausina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu. |
|
| 11 |
|
| Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu, |
|
| 12 |
|
| Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe? |
|
| 13 |
|
| Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora; |
|
| 14 |
|
| Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo; |
|
| 15 |
|
| Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha; |
|
| 16 |
|
| Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza. |
|
| 17 |
|
| Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo. |
|
| 18 |
|
| Vasungwa vano rugare pamwechete ipapo; Havanzwi izwi romutariri. |
|
| 19 |
|
| Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka pana tenzi wake. |
|
| 20 |
|
| Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamwoyo; |
|
| 21 |
|
| Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura pfuma yakavanzwa pasi; |
|
| 22 |
|
| Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro? |
|
| 23 |
|
| Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari? |
|
| 24 |
|
| Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuuura kwangu kunodururwa semvura. |
|
| 25 |
|
| Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga. |
|
| 26 |
|
| Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya. |
|
|
|
|