|
| 1 |
|
| Nhamo yaJobhu pari zvino. “Asi iye zvino vakandiita chiseko zvacho vanhu vadiki kwandiri, vana madzibaba vandaishora zvokuti handaikwanisa kuvaisa nembwa dzangu dzokuchengetedza zvipfuwo zvangu. |
|
| 2 |
|
| Simba ramaoko avo rinondibatsirei, vanhu vakapera zvavo simba |
|
| 3 |
|
| vakaonda nokushaiwa uye nenzara vanototetena midzi yakaoma yenyika ine nyota murima, munyika yakaoma yerenje |
|
| 4 |
|
| vaitanha makwenzi anovava vachirarama nemidzi yomutsvairo. |
|
| 5 |
|
| Vakadzingwa mukati mavanhu vachisveveredzwa sembavha |
|
| 6 |
|
| vachigara mumakoronga amapani nomumaguru, nomumapako |
|
| 7 |
|
| unotovanzwa vachikuma mumatondo vachingourungana mukati meminzwa |
|
| 8 |
|
| matununu chaiwo, vanhu vasina rudzi vakadzingwa munyika. |
|
| 9 |
|
| “Asi iye zvino ini ndava rumbo chairwo kwavari uye setsumo chaiyo kwavari. |
|
| 10 |
|
| Vanondisema, vachimirira vakataramukana neni vasingasumbe kundisvipira mate kumeso. |
|
| 11 |
|
| Nokuti Mwari akatupfunura rukungiso rwouta hwangu akandininipisa, pandiri kuzvibata vanobva vasiyana nako. |
|
| 12 |
|
| Kurudyi kwangu chikwata chamadzenga chinosimuka chondidzinganisa vachindirongera nzira dzokuparadza nadzo. |
|
| 13 |
|
| Vanodzivirira kwokuti nditize nako vanotowedzera njodzi yangu pamusoro peimwe, wokuvamisa hapana. |
|
| 14 |
|
| Vanopinda vachiita sevanopinda napakapazika zvikuru vanouya vari mukati mehungwandangwanda. |
|
| 15 |
|
| Kutya kwandibata chiremera changu chinopupurutswa sokupupurutswa nemhepo hunhu hwangu hwapfuura segore. |
|
| 16 |
|
| “Upenyu hwangu hwava kukwenguka, mazuva enhamo andiwira. |
|
| 17 |
|
| Usiku chirwere chinondin'ura mapfupa kurwadza kunondin'ura hakuzorore |
|
| 18 |
|
| ndinobatwa hembe pahuro zveganyabvu. Hembe dzangu dzaunyanidzwa. |
|
| 19 |
|
| Mwari andikanda mumatope, ndangova zvangu sehuruva nedota. |
|
| 20 |
|
| Ndinochema kwamuri asi hamupinduri ndinosimuka asi munongonditarisa zvenyu. |
|
| 21 |
|
| Masanduka, mave noutsinye kwandiri munondirwadzisa noruoko rwoune simba |
|
| 22 |
|
| munondibvuta mondiisa mumhepo dutu richindiita suku nasai kwose kwose. |
|
| 23 |
|
| Ndinoziva zvangu kuti muri kundiendesa kurufu kunzvimbo yakatemerwa vapenyu vose.” |
|
| 24 |
|
| “Asi munhu anenge ari mukati memurwi wehungwandangwanda hwemba yakoromoka, haasimudzi ruoko here munhamo yake achitsvaka rubatsiro? |
|
| 25 |
|
| Handina here kuchema navainge vaomerwa zuvaro, handina here kuchema navarombo? |
|
| 26 |
|
| Ndaitarisira zvakanaka ndopakauya zvakaipa. Ndaimirira chiedza asi rima ndiro rakauya. |
|
| 27 |
|
| Mudumbu mangu munomona musinganyarari, ndasangana namazuva enhamo. |
|
| 28 |
|
| Ndinofamba ndiri mukuchema kwete mukufara chandinosimukira pana vanhu kukumbira rubatsiro. |
|
| 29 |
|
| Ndave shamwari yamakava nehama yemhou. |
|
| 30 |
|
| Ganda rangu rasviba ravakukwatanuka mapfupa angu anotsva nokupisa. |
|
| 31 |
|
| Chipendani changu chava nziyo dzokuchema nyere yangu yava yokutsinhira vanochema.” |
|
|
|
|