|
| 1 |
|
| "Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko? |
|
| 2 |
|
| Nokuti mugove waMwari unobva kumusoro ndoweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko? |
|
| 3 |
|
| Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here? |
|
| 4 |
|
| Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here? |
|
| 5 |
|
| Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera; |
|
| 6 |
|
| (Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;) |
|
| 7 |
|
| Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu; |
|
| 8 |
|
| Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe. |
|
| 9 |
|
| Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye; |
|
| 10 |
|
| Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake. |
|
| 11 |
|
| Nokuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi. |
|
| 12 |
|
| Nokuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose. |
|
| 13 |
|
| Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni; |
|
| 14 |
|
| Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari? |
|
| 15 |
|
| Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here? |
|
| 16 |
|
| Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi; |
|
| 17 |
|
| Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo; |
|
| 18 |
|
| (Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;) |
|
| 19 |
|
| Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka; |
|
| 20 |
|
| Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu; |
|
| 21 |
|
| Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, Nokuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuo; |
|
| 22 |
|
| Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa. |
|
| 23 |
|
| Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda koumambo hwake. |
|
| 24 |
|
| Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, `Ndinovimba newe.' |
|
| 25 |
|
| Kana ndichinge ndakafara nokuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji; |
|
| 26 |
|
| Kana ndichinge ndaona kubwinya kwezuva, Kana mwedzi uchifamba wakachena; |
|
| 27 |
|
| moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu; |
|
| 28 |
|
| Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; Nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro. |
|
| 29 |
|
| Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa komuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa; |
|
| 30 |
|
| (Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;) |
|
| 31 |
|
| Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, `Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?' |
|
| 32 |
|
| Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu; |
|
| 33 |
|
| dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhamu, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu; |
|
| 34 |
|
| Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova, |
|
| 35 |
|
| Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndirwo runyoro rwangu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu! |
|
| 36 |
|
| Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona. |
|
| 37 |
|
| Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda. |
|
| 38 |
|
| Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose; |
|
| 39 |
|
| Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo; |
|
| 40 |
|
| Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari." Mashoko aJobho apera. |
|
|
|
|