|
| 1 |
|
| Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu. |
|
| 2 |
|
| Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari. |
|
| 3 |
|
| Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyangwe zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva. |
|
| 4 |
|
| Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero. |
|
| 5 |
|
| Zvino Erihu akati achiona kuti hapena mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo. |
|
| 6 |
|
| Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, “Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu. |
|
| 7 |
|
| Ndakati, ‘Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.’ |
|
| 8 |
|
| Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa. |
|
| 9 |
|
| Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira. |
|
| 10 |
|
| Saka ndakati, ‘Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.’ |
|
| 11 |
|
| Tarirai, ndakambomirira mashoko enyu, Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura. |
|
| 12 |
|
| Zvirokwazvo, ndakakucherechedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu. |
|
| 13 |
|
| Chenjerai, murege kuti, ‘Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;’ |
|
| 14 |
|
| Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu. |
|
| 15 |
|
| Vashamiswa, havachapinduri; Havachina shoko ravangataura. |
|
| 16 |
|
| Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here? |
|
| 17 |
|
| Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu. |
|
| 18 |
|
| Nokuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza. |
|
| 19 |
|
| Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka. |
|
| 20 |
|
| Ndichataura, kuti ndirerukirwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure. |
|
| 21 |
|
| Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso. |
|
| 22 |
|
| Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.” |
|
|
|
|