Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Erihu akapindurawo, akati, |
| 2 |
| “Munoti ndiko kururama kwenyu here. Munoti, kururama kwangu kunopfuura kwaMwari? |
| 3 |
| Zvamunoti, ‘Muchabatsirweiko nazvo?’ Ndichawaneiko, zvingapfuura zvandingawana kana ndatadza hangu? |
| 4 |
| Ndichakupindurai, Pamwechete neshamwari dzenyu. |
| 5 |
| Tarirai kudenga–denga, muone; Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi. |
| 6 |
| Kana muchinge matadza, ko mungamuitei iye? Kana kudarika kwenyu kuchinge kwakawanda, ko mungamuitei? |
| 7 |
| Kana makarurama, mungamupeiko? Kana iye uchapiweiko paruoko rwenyu? |
| 8 |
| Kuipa kwenyu kungatadzira munhu akaita semi, Kururama kwenyu kungabatsira mwanakomana womunhu. |
| 9 |
| Vanhu vanoridza mhere nokuda kwokumanikidza kwakawanda; Vanoridza mhere kuti varwirwe paruoko rwoane simba. |
| 10 |
| Asi hapana anoti, ‘Mwari Muiti wangu aripiko?’ Iye anotiimbisa usiku; |
| 11 |
| Iye anotidzidzisa kupfuura shiri dzokudenga? Anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzokudenga? |
| 12 |
| Ipapo vanochema, asi hapana anopindura, Nokuda kwokuzvikudza kwavanhu vakaipa. |
| 13 |
| Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo, waMasimbaose haangavi nehanya nazvo. |
| 14 |
| Ndoda kana muchiti, handimuoni; Mhosva iri pamberi pake, chimumirirai henyu! |
| 15 |
| Asi zvino, zvaasina kutsiva pakutsamwa kwake, Kana kusava nehanya zvikuru nokuzvikudza; |
| 16 |
| Naizvozvo Jobho woshamisa muromo wake achireva zvisina maturo; Wowanza mashoko asingazivi.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/job/035.mp3
42
35