×

Bhaibhiri Idzva 2008

Jobho 37

1
Izvozvi zvinoita kuti mwoyo wangu udedere zvokutenge uchasvetuka panzvimbo pawo.
2
Dotererai munzwe kutinhira kwezwi rake, maungira anobva mumuromo wake,
3
Anoati tupfunu nedenga rose, nemheni yake inosvika kumativi ose enyika.
4
Mushure mayo izwi rake rinotinhira anoriridza nezizwi rake rinoremekedzwa mheni haaidzore kana izwi rake ranzwika.
5
Mwari anodzvova nezwi rinoshamisa. Anoita zvishamiso zvatisingakwanisi kunzwisisa
6
nokuti anoti chando ngachidonhe panyika anotiwo kuhore kana mvura yokunaya ngainaye zvine simba.
7
Anombomisa vanhu mabasa amaoko avo kuitira kuti munhu wose azive mabasa ake.
8
Ipapo zvikara zvinotombopinda mumatanga azvo zvichitombogara imomo mumapako azvo.
9
Dutu remhepo rinobva kumaodzanyemba nemhepo yechando inovhuvhuta ichibva kuchamhembe.
10
Nezwi raMwari kunouya chando mvura yakapararira inogwamba nokukurumidza.
11
Anozadza makore makobvu nemvura makorewo achiwadzura mheni uko nokoko.
12
Makore anopidiguka-pidiguka achipishinuka kuenda nerimwe divi achitungamirirwa naMwari kuitira kuti aite zvose zvaanenge ati aite pasi pasi panogara vanhu.
13
Anoita kuti zviitike kunyika yake, iri shamhu kana mwoyochena wake.
14
Teerera unzwe iwe Jobhu. Dai ukamboti mirei urangarire mabasa aMwari anoshamisa.
15
Unoziva here kuti Mwari anoatonga sei nokuita kuti mheni ipenye mumakore?
16
“Unoziva here kuti makore anoyangarara sei mudenga umu, basa roruzivo ruzere rwaMwari.
17
Iwe unodikitira muhembe dzako pamusana pemhepo yokumaodzanyemba.
18
Ungakwanise here iwe kuita zvaanoita zvokutambanudza ziendanakuenda redenga, rakaomarara sechiringiriro choutare hwakaita zvokunyungurutswa?
19
Chitiudza zvokumutaurira, hapana chatinokwanisa kuronga nokuda kwerima ratiri.
20
Zvandinotaura handiti zvinosvitswa kwaari, kungatova kuzvitsvagira kuparadzwa ikoko.
21
Pane nguva dzokuti cheidza chinenge chisingaoneki chakadzivirirwa namakore kusvikira mhepo yapfuura ichiabvisa.
22
Kuchamhembe kunobuda ruvara runenge ndarama, chiremera chinenge chiri chaMwari chinotyisa.
23
Samasimba, asingabatiki, ari pamusorosoro apo nesimba aine ruenzaniso, noururami hwakawanda asina waanokanganisira.
24
Ndokusaka vanhu vachimuremekedza iyewo asingambotarisi zvake munhu anozvitora.”
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa