|
| 1 |
|
| Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati, |
|
| 2 |
|
| "Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here? |
|
| 3 |
|
| Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire. |
|
| 4 |
|
| Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe. |
|
| 5 |
|
| Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi? |
|
| 6 |
|
| Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona? |
|
| 7 |
|
| Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro? |
|
| 8 |
|
| Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro; |
|
| 9 |
|
| Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo; |
|
| 10 |
|
| Panguva.yandakaritarira muganhu waro, Ndikariisira mazariro nemikova, |
|
| 11 |
|
| Ndikati, `Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?' |
|
| 12 |
|
| Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here? |
|
| 13 |
|
| Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here? |
|
| 14 |
|
| Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo. |
|
| 15 |
|
| Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa. |
|
| 16 |
|
| Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here? |
|
| 17 |
|
| Masuo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuo omumvuri worufu here? |
|
| 18 |
|
| Wakatongonzwisisa upamhi bwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose. |
|
| 19 |
|
| Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko? |
|
| 20 |
|
| Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here? |
|
| 21 |
|
| Unenge unoziva hako, nokuti wakanga wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo! |
|
| 22 |
|
| Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here? |
|
| 23 |
|
| Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here? |
|
| 24 |
|
| Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika? |
|
| 25 |
|
| Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo; |
|
| 26 |
|
| Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu; |
|
| 27 |
|
| Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here? |
|
| 28 |
|
| Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova? |
|
| 29 |
|
| Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka? |
|
| 30 |
|
| Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro. |
|
| 31 |
|
| Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here? |
|
| 32 |
|
| Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here? |
|
| 33 |
|
| Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here? |
|
| 34 |
|
| Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here? |
|
| 35 |
|
| Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, `Tiri pano,' here? |
|
| 36 |
|
| Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere? |
|
| 37 |
|
| Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga? |
|
| 38 |
|
| Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here? |
|
| 39 |
|
| Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here? |
|
| 40 |
|
| Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here? |
|
| 41 |
|
| Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro, |
|
|
|
|