Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati, |
| 2 |
| “Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here? |
| 3 |
| Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire. |
| 4 |
| Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe. |
| 5 |
| Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera netambo? |
| 6 |
| Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona? |
| 7 |
| Panguva yakaimba nyenyedzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro? |
| 8 |
| Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro; |
| 9 |
| Panguva yandaita gore nguo yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo; |
| 10 |
| Panguva yandakatarira muganho waro, Ndikariisira mazariro nemikova, |
| 11 |
| Ndikati, ‘Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?’ |
| 12 |
| Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here? |
| 13 |
| Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here? |
| 14 |
| Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguo. |
| 15 |
| Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa. |
| 16 |
| Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here? |
| 17 |
| Masuwo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuwo omumvuri worufu here? |
| 18 |
| Wakatongonzwisisa upamhi hwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose. |
| 19 |
| Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko? |
| 20 |
| Kuti undozviisa kumiganhu yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here? |
| 21 |
| Unenge unoziva hako, nokuti wakanga wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo! |
| 22 |
| Wakatongopinda panovigwa pfuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa pfuma yechimvuramabwe here? |
| 23 |
| Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here? |
| 24 |
| Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika? |
| 25 |
| Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo; |
| 26 |
| Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu; |
| 27 |
| Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here? |
| 28 |
| Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova? |
| 29 |
| Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka? |
| 30 |
| Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro. |
| 31 |
| Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here? |
| 32 |
| Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here? |
| 33 |
| Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here? |
| 34 |
| Ko iwe ungasvitsa izwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here? |
| 35 |
| Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, ‘Tiri pano,’ here? |
| 36 |
| Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyenyedzi njere? |
| 37 |
| Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga? |
| 38 |
| Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here? |
| 39 |
| Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here? |
| 40 |
| Kana idzo dzichitsiyama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here? |
| 41 |
| Ndianiko anogadzirira gunguo zvokudya zvaro, Kana vana varo vachichema kuna Mwari, Uchidzungaira pose pose vachishaiwa zvokudya. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/job/038.mp3
42
38