|
| 1 |
|
| “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here? |
|
| 2 |
|
| Iwe ungagona kuverenga mwedzi yokutora kwadzo mazamu here? Kana iwe unoziva nguva yadzinobereka nayo here? |
|
| 3 |
|
| Dzinokotama, ndokubereka vana vadzo, Dzinorasha ushungu hwadzo. |
|
| 4 |
|
| Vana vadzo vanosimba, vanokurira kusango; Vanoenda vakasadzokazve. |
|
| 5 |
|
| Ndianiko akaregedza mbizi isina kusungwa? Kana ndianiko akasunungura zvisungo zvembizi? |
|
| 6 |
|
| Ndakaita renje imba yayo, Nenyika yebare hugaro hwayo. |
|
| 7 |
|
| Inozvidza bope romuguta, Hainzwi kuchaira kwomuchairi. |
|
| 8 |
|
| Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo, Inotsvaka mashizha ose matema. |
|
| 9 |
|
| Ko nyati ingatenda kukubatira here? Kana ingavata pachidyiro chemombe dzako here? |
|
| 10 |
|
| Ko iwe ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga, Kana ingaputsa mavhinga ichikutevera here? |
|
| 11 |
|
| Ungaitenda, zvaine simba guru here? Kana kuiregera basa rako here? |
|
| 12 |
|
| Ungavimba nayo kuti iise zviyo zvako kuguta, Nokuzviunganidzira paburiro rako here? |
|
| 13 |
|
| Mhou inofara namapapiro ayo; Ko mapapiro ayo neminhenga yayo zvino hunyoro here? |
|
| 14 |
|
| Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavhu, Inoadziyisa muguruva, |
|
| 15 |
|
| Ichikanganwa kuti angapwanyiwa netsoka dzavanhu, Kana kuti angatsikwa nezvikara. |
|
| 16 |
|
| Inovangararira vana vayo savanenge vasati vari vayo; Kunyangwe yakatambudzikira pasina, haine hanya; |
|
| 17 |
|
| Nokuti Mwari wakaitorera huchenjeri, Haana kuipa njere. |
|
| 18 |
|
| Panguva yainosimuka kuti itize, Inoshora bhiza nomutasvi waro |
|
| 19 |
|
| Iwe wakapa bhiza simba raro here? Ndiwe wakashongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here? |
|
| 20 |
|
| Iwe wakarichirikisa semhashu here? Simba rokufemuruka kwaro rinotyisa. |
|
| 21 |
|
| Rinoteta pasi mumupata, richifarira simba raro; Rinobuda kundoshongana navarume vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo. |
|
| 22 |
|
| Rinoseka kutya, harivhunduswi; Haridzoki kana richiona munondo. |
|
| 23 |
|
| Goba rinorira pamusoro paro, Uye pfumo nebakatwa zvinopenya. |
|
| 24 |
|
| Rinopedza pasi nokutsamwa nehasha; Harimiri kana richinzwa izwi rehwamanda. |
|
| 25 |
|
| Nguva ipi neipi kana hwamanda ichirira, rinoti, ‘Hekani!’ Rinofembedza kurwa kana kuchiri kure, Nokutinhira kwamachinda, nebope. |
|
| 26 |
|
| Ko ruvangu runoengerera nohuchenjeri hwako here, Ruchitambanudzira mapapiro arwo kurutivi rwezasi here? |
|
| 27 |
|
| Ko gondo rinokwira nokuraira kwako, Richindovaka dendere raro pakakwirira here? |
|
| 28 |
|
| Rinogara padombo, richivatapo, Pashongwe yedombo napanhare. |
|
| 29 |
|
| Rinonanganidza zvokudya zvaro riripo, Meso aro anozviona zviri kure. |
|
| 30 |
|
| Vana varowo vanosveta ropa; Pane chakaurayiwa ndipo pariri.” |
|
|
|
|