×

Shona SUB Bible 2002

Jobho 4

1
Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2
“Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
3
Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
4
Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda–gweda.
5
Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba; Zvakubata, zvino wotambudzika.
6
Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
7
Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
8
Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa, Navanodyara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
9
Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.
10
Kunduruma kweshumba nezwi reshumba ine hasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.
11
Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
12
Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve–zeve raro.
13
Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;
14
Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mapfupa angu ose.
15
Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
16
Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa izwi richiti,
17
‘Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
18
Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
19
Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi.
20
Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
21
Ko tambo yetende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.’ ”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa