|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati, |
|
| 2 |
|
| "Ndinoziva kuti imwi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa. |
|
| 3 |
|
| Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi. |
|
| 4 |
|
| Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imwi mundidudzire. |
|
| 5 |
|
| Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai, |
|
| 6 |
|
| Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota." |
|
| 7 |
|
| Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, "Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imwi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi bwenyu; nokuti imwi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho." |
|
| 9 |
|
| Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho. |
|
| 10 |
|
| Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri. |
|
| 11 |
|
| Ipapo vanun'una vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama. |
|
| 12 |
|
| Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe. |
|
| 13 |
|
| Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu. |
|
| 14 |
|
| Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki. |
|
| 15 |
|
| Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo. |
|
| 16 |
|
| Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana. |
|
| 17 |
|
| Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji. |
|
|
|
|