|
| 1 |
|
| Mazuva omunhu panyika haasi mazuva okushanda zvakaomarara here? Mazuva ake haana kuita here samazuva omushandi? |
|
| 2 |
|
| Senhapwa inosuwira mumvuri, uye somushandi anosuwira mubayiro? |
|
| 3 |
|
| Saizvozvo ndakatemerwa mwedzi yandisina chokuita nousiku hwokungotambura ndihwo hwandakapiwa. |
|
| 4 |
|
| Ndikarara pasi, ndinenge ndichingoti ndichamuka rinhi? Asi usiku hwakareba ndinongoshanyarika kusvikira kwoedza. |
|
| 5 |
|
| Muviri wangu unongova honye dzoga uye tsvina, ganda rangu rinongoti kakata kuoma pedzepo urwa puti. |
|
| 6 |
|
| Mazuva angu anenge chivhimbo chomuruki kumhanya anopera pasina chitarisiro. |
|
| 7 |
|
| Yeukai kuti upenyu hwangu hwakaita sefemo. Ziso rangu, zvakanaka, harichazombozvioni. |
|
| 8 |
|
| Ziso riri kundiona, harichazondionizve, muchanditarisa asi ndichange ndisisipo. |
|
| 9 |
|
| Sokumwararika kunoita gore richinyangarika, munhuwo anoenda kunzvimbo yavafi haadzokeko. |
|
| 10 |
|
| Haadzoke kumba kwake nzvimbo yake haizombomuzivazve. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo handimborega kutaura ndichangotaura chete mukushungurudzika mwoyo kwangu ikoko. Ndichanyunyuta mukurwadziwa mwoyo kwangu. |
|
| 12 |
|
| Ko ndava gungwa here ini kana kuti zigaranyanya romugungwa zvomondiisira vokundigaririra kudai? |
|
| 13 |
|
| Pandinenge ndoti aiwa mubhedha wangu wombondipawo kakuzorora, sofa rangu rimboyerura kugurukuta kwangu, |
|
| 14 |
|
| ndipo pamunotondityisidzira muhope muchindivhundutsa nezviratidzo |
|
| 15 |
|
| zvokuti ndinosarudza kudzipwa zvangu kana kufa pane kuva nomuviri wangu uyu. |
|
| 16 |
|
| Ndavakutovenga upenyu hwangu; zvokugara nokusingaperi handichadi. Siyanai neni, nokuti mazuva angu akangoita sefemo. |
|
| 17 |
|
| Munhu chiiwo zvake zvamunotomusimudzira pamusoro kudaro, munhu zvake zvamunotomufungawo kudaro, |
|
| 18 |
|
| zvamunomushanyira mangwanani oga oga muchimuedza nguva iri yose? |
|
| 19 |
|
| Uko kundiringisa mucharegawo rinhi? Kana kumbondipawo kanguva kokumedza mate? |
|
| 20 |
|
| Kana ndikapara zvangu chitadzo chachinokuitai chii chaizvo, nhai imi mutarisi wavanhu? Ko maramba mangoti neni nangananga sei? Nemhaka yei ndave mutoro kwamuri? |
|
| 21 |
|
| Munorega nei kundiregererawo chitadzo changu muchindibvisirawo uipi hwangu? Nokuti pari zvino ndicharara muvhu muchanditsvaka asi ndinenge ndisisiri chinhu. |
|
|
|
|