|
| 1 |
|
| Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: |
|
| 2 |
|
| “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta. |
|
| 3 |
|
| Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? |
|
| 4 |
|
| Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo. |
|
| 5 |
|
| Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, |
|
| 6 |
|
| kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. |
|
| 7 |
|
| Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru. |
|
| 8 |
|
| “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo, |
|
| 9 |
|
| nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri. |
|
| 10 |
|
| Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here? |
|
| 11 |
|
| Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here? |
|
| 12 |
|
| Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara. |
|
| 14 |
|
| Zvaanovimba nazvo hazvina simba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande. |
|
| 15 |
|
| Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri. |
|
| 16 |
|
| Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu; |
|
| 17 |
|
| unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo. |
|
| 18 |
|
| Asi kana ukatsemuka ukabva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’ |
|
| 19 |
|
| Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu. |
|
| 20 |
|
| “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka kana kusimbisa maoko avaiti vezvakaipa. |
|
| 21 |
|
| Iye achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza. |
|
| 22 |
|
| Vavengi vako vachashongedzwa nenyadzi, uye matende avakaipa haachazovapozve.” |
|
|
|
|