|
| 1 |
|
| Ipapo Jobho akapindura akati: |
|
| 2 |
|
| “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? |
|
| 3 |
|
| Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru. |
|
| 4 |
|
| Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? |
|
| 5 |
|
| Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru. |
|
| 6 |
|
| Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke. |
|
| 7 |
|
| Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi. |
|
| 8 |
|
| Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa. |
|
| 9 |
|
| Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi. |
|
| 10 |
|
| Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa. |
|
| 11 |
|
| Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni. |
|
| 12 |
|
| Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ |
|
| 13 |
|
| Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake. |
|
| 14 |
|
| “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye? |
|
| 15 |
|
| Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. |
|
| 16 |
|
| Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera. |
|
| 17 |
|
| Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. |
|
| 18 |
|
| Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko. |
|
| 19 |
|
| Kana zviri zvesimba, iye ane simba! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? |
|
| 20 |
|
| Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka. |
|
| 21 |
|
| “Kunyange ndakarurama, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu. |
|
| 22 |
|
| Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vakarurama navakaipa.’ |
|
| 23 |
|
| Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva. |
|
| 24 |
|
| Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko? |
|
| 25 |
|
| “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro. |
|
| 26 |
|
| Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo. |
|
| 27 |
|
| Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’ |
|
| 28 |
|
| ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva. |
|
| 29 |
|
| Sezvo ndakatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina? |
|
| 30 |
|
| Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda, |
|
| 31 |
|
| imi muchandinyudza mugomba renhope zvokuti nenguo dzangu dzichandisema. |
|
| 32 |
|
| “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva. |
|
| 33 |
|
| Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose, |
|
| 34 |
|
| mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve. |
|
| 35 |
|
| Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi. |
|
|
|
|