Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi. |
| 2 |
| Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. |
| 3 |
| Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika. |
| 4 |
| Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. |
| 5 |
| Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama. |
| 6 |
| Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/001.mp3
150
1