|
| 1 |
|
| Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika? |
|
| 2 |
|
| Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. |
|
| 3 |
|
| Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. |
|
| 4 |
|
| Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, "Haangabvunzi." Ndangariro dzake dzose dzinoti, "Hakuna Mwari." |
|
| 5 |
|
| Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imwi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. |
|
| 6 |
|
| Anoti mumoyo make, "Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose." |
|
| 7 |
|
| Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. |
|
| 8 |
|
| Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira. |
|
| 9 |
|
| Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake. |
|
| 10 |
|
| Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake. |
|
| 11 |
|
| Anoti mumoyo make, "Mwari akangamwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni." |
|
| 12 |
|
| Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukangamwa varombo. |
|
| 13 |
|
| Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, "Hangabvunzi?" |
|
| 14 |
|
| Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera. |
|
| 15 |
|
| Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani. |
|
| 16 |
|
| Jehovha ndiye Mambo. nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake. |
|
| 17 |
|
| Jehovha, makanzwa zvinodikamwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu; |
|
| 18 |
|
| Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa. |
|
|
|
|