Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. |
| 2 |
| Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama. |
| 3 |
| Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. |
| 4 |
| Moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. |
| 5 |
| Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye. |
| 6 |
| Meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu. |
| 7 |
| Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu. |
| 8 |
| Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/101.mp3
150
101