|
| 1 |
|
| "Vongai Jehovha, nokuti iye wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi" |
|
| 2 |
|
| Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruvoko rwomudzivisi; |
|
| 3 |
|
| Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi. |
|
| 4 |
|
| vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara |
|
| 5 |
|
| vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo. |
|
| 6 |
|
| Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. |
|
| 7 |
|
| Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. |
|
| 8 |
|
| Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
|
| 9 |
|
| Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka. |
|
| 10 |
|
| Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare, |
|
| 11 |
|
| Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro; |
|
| 12 |
|
| Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira. |
|
| 13 |
|
| Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo. |
|
| 14 |
|
| Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo. |
|
| 15 |
|
| Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
|
| 16 |
|
| Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. |
|
| 17 |
|
| Mapenzi anotambudzika nokuda kokudarika kwavo, Uye nokuda kwezvakaipa zvavo. |
|
| 18 |
|
| Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuo orufu. |
|
| 19 |
|
| Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo. |
|
| 20 |
|
| Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. |
|
| 21 |
|
| Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
|
| 22 |
|
| Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba. |
|
| 23 |
|
| Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji; |
|
| 24 |
|
| Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika. |
|
| 25 |
|
| Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro. |
|
| 26 |
|
| Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo. |
|
| 27 |
|
| Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano. |
|
| 28 |
|
| Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo. |
|
| 29 |
|
| Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara. |
|
| 30 |
|
| Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo. |
|
| 31 |
|
| Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!. |
|
| 32 |
|
| Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru. |
|
| 33 |
|
| Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma; |
|
| 34 |
|
| Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi. |
|
| 35 |
|
| Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura. |
|
| 36 |
|
| Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo; |
|
| 37 |
|
| Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji. |
|
| 38 |
|
| Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa. |
|
| 39 |
|
| Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo. |
|
| 40 |
|
| Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira. |
|
| 41 |
|
| Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai. |
|
| 42 |
|
| Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo. |
|
| 43 |
|
| Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu |
|
|
|
|