×

Shona Bible 2002

Mapisarema 108

1
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose.
2
Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
3
Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
4
Nokuti ngoni dzenyu ihuru kumusoro kwokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
5
Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
6
Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
7
Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, “Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
8
Gireadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
9
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.”
10
Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
11
Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
12
Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
13
MunaMwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa