|
| 1 |
|
| Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu; |
|
| 2 |
|
| Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema. |
|
| 3 |
|
| Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva. |
|
| 4 |
|
| Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu. |
|
| 5 |
|
| Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu. |
|
| 6 |
|
| Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi. |
|
| 7 |
|
| Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi. |
|
| 8 |
|
| Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake. |
|
| 9 |
|
| Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi. |
|
| 10 |
|
| Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo. |
|
| 11 |
|
| Waakadyirwa chikwerete ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira. |
|
| 12 |
|
| Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake. |
|
| 13 |
|
| Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera. |
|
| 14 |
|
| Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa. |
|
| 15 |
|
| Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi. |
|
| 16 |
|
| Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira ngoni, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomwoyo wakaputsika, kuti avauraye. |
|
| 17 |
|
| Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye. |
|
| 18 |
|
| Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumapfupa ake. |
|
| 19 |
|
| Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose. |
|
| 20 |
|
| Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, Nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa. |
|
| 21 |
|
| Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei. |
|
| 22 |
|
| Nokuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomwoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu. |
|
| 23 |
|
| Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu. |
|
| 24 |
|
| Mabvi angu haachine simba nokuzvinyima zvokudya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta. |
|
| 25 |
|
| Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo. |
|
| 26 |
|
| Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei nengoni dzenyu. |
|
| 27 |
|
| Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imi Jehovha, ndimi makazviita. |
|
| 28 |
|
| Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo. |
|
| 29 |
|
| Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi. |
|
| 30 |
|
| Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji. |
|
| 31 |
|
| Nokuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake. |
|
|
|
|