×

Bhaibheri Dzvene 2005

Mapisarema 110

1
Pisarema raDhavhidhi [1] Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”
2
Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.
3
Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.
4
Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerekizedheki.”
5
Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
6
Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose.
7
Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica
:
Sevha Zvinyorwa