×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 110

1
Rwiyo rwaDhavhidhi. TENZI akati kuna TENZI wangu, “Uya ugare kurudyi kwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”
2
TENZI anotumira kubva muZioni simba rako guru rokutonga. “Tonga pakati pavavengi vako.”
3
Vanhu vako vachazvipira nomwoyo unoda pauchatungamirira hondo yako pamakomo ako anoera kubvira kumangwanani-ngwanani? Sedova, vechiduku vako vachauya kwauri.
4
TENZI akapika uye haachasanduka mwoyo kuti, “Uri mupristi nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.”
5
TENZI ari kurudyi rwako achaparadza madzimambo pazuva rake rehasha.
6
Achatonga mukati mendudzi dzavanhu maachazadza nezvitunha, achaparadza vatungamiri kusvika kure kure chaiko.
7
Iye achanwa murukova ruri pedyo nenzira, saka ndiye chete anenge akasimudza musoro.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa