Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano. |
| 2 |
| Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanoafarira. |
| 3 |
| Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi. |
| 4 |
| Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi. |
| 5 |
| Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi. |
| 6 |
| Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni. |
| 7 |
| Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba. |
| 8 |
| Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama. |
| 9 |
| Akatumira vanhu vake rudzikinuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa. |
| 10 |
| Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/psalms/111.mp3
150
111