Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kokutendeka kwenyu. |
| 2 |
| Vahedheni vachareverei, vachiti, "Ko Mwari wavo zvino uripi?" |
| 3 |
| Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada. |
| 4 |
| Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu. |
| 5 |
| Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni; |
| 6 |
| Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwhidzi; |
| 7 |
| zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo. |
| 8 |
| Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. |
| 9 |
| lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 10 |
| Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 11 |
| imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 12 |
| Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni. |
| 13 |
| Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose. |
| 14 |
| Jehovha acharamba achikuwanzai, imwi navana venyu. |
| 15 |
| imwi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi. |
| 16 |
| Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu. |
| 17 |
| Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara; |
| 18 |
| Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya! |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/115.mp3
150
115