×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 115

1
Kwete isu TENZI, kwete isu asi zita renyu ndiro ngaripiwe mukurumbira nokuda kwemwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu.
2
Marudzi tingaapirei mukana wokuti vati, “Mwari wavo aripiko?”
3
Mwari wedu ari kumatenga, anoita zvaanoda.
4
Zvifananidzo zvavo zvokunamata, isirivha nendarama, zvakaitwa namaoko avanhu.
5
Zvine miromo asi hazvitauri; zvina maziso asi hazvioni.
6
Zvine nzeve asi hazvinzwi; zvine mhuno asi hazvinhuwidzi
7
zvina maoko asi hazvigoni kubata; zvina makumbo asi hazvifambi, hapana kana izwi razvinogona kuburitsa nehuro dzazvo.
8
Saka vanozviumba vachafanana nazvo; vachafananawo nazvo vanovimba nazvo.
9
Asi vaIsiraeri vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10
Imba yokwaAroni inovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11
Vanotya TENZI vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12
TENZI anotirangarira; achatikomborera. Achakomborera imba yokwaIsiraeri; achakomborera imba yokwaAroni.
13
Achakomborera vanotya TENZI vakuru navaduku.
14
TENZI ngaakuwanziridzei imi navana venyu.
15
Dai makangokomborerwa naTENZI akasika denga napasi.
16
Matenga ndeaTENZI asi nyika akaipa kuvanhu.
17
Vakafa havarumbidzi TENZI kana vaya vanoenda kurunyararo
18
Asi isu ticharumbidza TENZI kubvira zvino nokusingaperi. Areruya.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society Of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa