×

Shona Bible 2002

Mapisarema 128

1
Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake.
2
Nokuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe.
3
Mukadzi wako uchava somudzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4
Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo.
5
Jehovha achakuropafadza ari paZioni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako.
6
Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare.
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa