Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Rwiyo rworwendo. [1] Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, |
| 2 |
| “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. |
| 3 |
| Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.” |
| 4 |
| Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa. |
| 5 |
| Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi. |
| 6 |
| Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura; |
| 7 |
| mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake. |
| 8 |
| Dai vanopfuura napo varega kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/129.mp3
150
129