Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Jehovha muchandikangamwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko? |
| 2 |
| Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi? |
| 3 |
| Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa; |
| 4 |
| Muvengi wangu arege kuti, "Ndamukunda;" Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka. |
| 5 |
| Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu; |
| 6 |
| Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/013.mp3
150
13