Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Kukumbira Mwari rubatsiro Mucharamba muchingondikanganwa kusvikira riniko, nhai TENZI? Muchandivanza chiso chenyu kusvikira riniko? |
| 2 |
| Ko ndichatenderedzwa musoro kusvikira riniko ndichirwadziwa mwoyo zuva rose kudai? Vavengi vangu vachandikurira kusvikira riniko? |
| 3 |
| Nditarisei TENZI Mwari wangu mundipindure. Ndibengenutsei ndirege kukotsira hope dzorufu. |
| 4 |
| Muvengi wangu angadaro akazoti ndakamukurira, mhandu dzangu dzikazofarira kuti ndakazunzika. |
| 5 |
| Asi ini ndinovimba nemwoyochena wenyu; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. |
| 6 |
| Ndichaimbira TENZI nokuti akandiitira zvakanaka. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/013.mp3
150
13