Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika. |
| 2 |
| Ishe inzwai izwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere Izwi rokukumbira kwangu. |
| 3 |
| Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe? |
| 4 |
| Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei. |
| 5 |
| Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake. |
| 6 |
| Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani. |
| 7 |
| Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; Nokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikinurwa kukuru. |
| 8 |
| Iye achadzikinura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/psalms/130.mp3
150
130