×

Shona Bible 2002

Mapisarema 133

1
Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Kana hama dzichigara pamwechete norugare.
2
Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, Anoyerera pandebvu, Idzo ndebvu dzaAroni; Anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake;
3
Zvakafanana nedova reHerimoni, Rinoburukira pamakomo eZioni; Nokuti ndipo Jehovha paakaraira kuropafadza kwake, Ndihwo upenyu husingaperi.
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa